Zvekuita kana uchinge wabatwa chibharo
- Taurira munhu waunoziva nekuvimba naye
- Enda kuchipatara nekukurimidza kana kuti maawa makumi manomwe nemaviri asati apfuura (72 hours) kana kuti (3 days) Kuti ukwanise kuwana rubatsiro runotevera pachena.
- Kuongororwa utachiona hweHIV nekupihwa mishonga yekudzivirira kubata HIV.
- Mishonga yekudzivirira nekurapa zvirwere zvepabonde
- Mishonga yekudzivirira kubata pamuviri
- Kutorwa umbowo uye kuongororwa utano uye kuongororwa utano zvingazodiwa kumatare edzimhosva
- Kubatwa chibharo chiitiko chinoshungurudza pfungwa. Kupangwa mazano kunoitwa pachipatara kunodzivirira Matambudziko ehutano hwepfungwa angaitike nekufamba kwenguva.
Zvekusaita
Kiriniki iyi inopa rubatsiro rwakakodzera kune anenge abatwa chibharo.
- Kugeza muviri
- Kuwacha kana kurasa nhumbi dzawanga wakapfeka pawabata chibharo
- Kungogara kumba uchiedza kukanganwa nezvazvo
- KuAdult Rape Clinic kunowanikwa rubatsiro rwevese vanenge vabatwa chibharo chero vezera ripi neripi.
Parizvino kiriniki iyi inovhurwa kubva 08-00- 1630hrs Muvhuro kusvika Chishanu.
Mugovera neSvondo, nepamazororo makuru ARC inenge yakavharwa asi zvisinei, rubatsiro rwunowanikwa ku Casualty Department yekuParirenyatwa uye neku Harare Hospital
Runhare rwedu runoti +263 242 793572 / +263 775 672 770