Zvekuita kana uchinge wabatwa chibharo

  • Taurira munhu waunoziva nekuvimba naye
  • Enda kuchipatara nekukurimidza kana kuti maawa makumi manomwe nemaviri asati apfuura (72 hours) kana kuti (3 days) Kuti ukwanise kuwana rubatsiro runotevera pachena.
  • Kuongororwa utachiona hweHIV nekupihwa mishonga yekudzivirira kubata HIV.
  • Mishonga yekudzivirira nekurapa zvirwere zvepabonde
  • Mishonga yekudzivirira kubata pamuviri
  • Kutorwa umbowo uye kuongororwa utano uye kuongororwa utano zvingazodiwa kumatare edzimhosva
  • Kubatwa chibharo chiitiko chinoshungurudza pfungwa. Kupangwa mazano kunoitwa pachipatara kunodzivirira Matambudziko ehutano hwepfungwa angaitike nekufamba kwenguva.

Zvekusaita

Kiriniki iyi inopa rubatsiro rwakakodzera kune anenge abatwa chibharo.

  • Kugeza muviri
  • Kuwacha kana kurasa nhumbi dzawanga wakapfeka pawabata chibharo
  • Kungogara kumba uchiedza kukanganwa nezvazvo
  • KuAdult Rape Clinic kunowanikwa rubatsiro rwevese vanenge vabatwa chibharo chero vezera ripi neripi.

Parizvino kiriniki iyi inovhurwa kubva 08-00- 1630hrs Muvhuro kusvika Chishanu.

Mugovera neSvondo, nepamazororo makuru ARC inenge yakavharwa asi zvisinei, rubatsiro rwunowanikwa ku Casualty Department yekuParirenyatwa uye neku Harare Hospital

Runhare rwedu runoti +263 242 793572 / +263 775 672 770